Thursday, October 19, 2006

Ndakaitirwa nyasha

http://www.thezimbabwean.co.uk
Tel/Fax: 02380 879675
General: 07714736382
P O Box 248, Hythe, SO45 4WX, United Kingdom

Ndakaitirwa nyasha

BY TONDERAI, Grade 6, Chitungwiza
Rega zvipore akabva mukutsva, vanodaro vakuru. Tsumo iyi inondirangaridza zvakaitika kwandiri mugore ra 2004 musi wa 19 Chikunguru apo taiva takaungana pamba pedu muguta reChitungwiza. Vabereki vangu vaiva vandigadzirira mabiko okusvitsa kwangu makore mapfumbamwe ndave panyika. Nokudaro shamwaridzangun nevamwe vechikuru vaiva vakaungana. Zvukudya zvaiva mavhu namarara uye ini ndaiva ndakapfeka nhumbi itsva idzo dzandaiva ndatengerwa nababamunini vangu.

Sokuti taiva takagadzirira ndakafumo bata jongwe muromo ndichigeza muviri zvokuti vakakokwa vose vakazosvika ndatogutsikana kuti mucheno ndarova. Vanhu Havana kusvika nhambo imwe asi hazvina kupedza nguva musha usati wati tsvete nevanhu. Vanhu vanombofara veduwe, izvi zvaionekwa nemakwazisiro nekusekerera kwavaiita pamwe nekukorokotedza kwavaiita ini na vabereki vangu.
Mutambo wakaenderera mberi zvakanaka chose kusvika zuva rondorereka apo vanhu vaitamba mimhanzi yairidzwa muredhiyo. Zvainyatsoitika zvinotoda vaivepo kuzvitsanangura. Chadinorangarira iguruva raipfumbuka zvakachidza vamwe nokutosvora vamwe. Ini handina kuzopedza mutambo uyu zvakanaka nokuti ndakatosvorwa ne guruva riya, maziso angu ndokutanga kuvava zvikuru achirwadza. Ndaimakwenya zvinesimba zvokuti akazvimba. Ndakanzi ndinovata, mutambo ukazopera ndava mumba. Musi uyu ndavatahope dzembwa nokuti ndairwadziwa. Ndakashinyira nokushanyarika usiku hwose.

Ramangwana vabereki vangu vakaenda neni kwachiremba vemaziso pa
101 Josiah Chinamano Avenue kuHarare. Ndakasvikotariswamaziso nachiremba anonzi Kufa. Zvandakatsanangurirwa zvakandirovesa nehan. Chiremba vakati maziso angu haafanirwi kutosvorwa neguruva kana hutsi nokuti hazvipindirane nehutano hwangu. Ndakazogadzikwa pamuchini apondakaongororwa zvakadzama. Ndakazoudzwa kuti maziso angu aiva ne chirwere ichochaipedza maonero angu zvishoma ne zvishoma. Ndakazopihwa mushonga ndokuudzwa kuti ndinofanira kugara ndichiongororwa.

Vazhinji tinoziva muimbi anonzi Paul Matavire, zvinonzi akazvarwa achiona, asi akatozopofomara atobva zera. Ndakafunga kuti ndizvo zvandaizopedzisira ndaita daindisina kuwanirwa nyasha dzokuona chiremba nguva ichiripo. Kuona chipo chinobva kuna mwari asi munhu wozvichengetedza kuti ugare nacho. Regai ndibude pachena kutenda chiremba Kufa nokundipa kuziva kwokuti ndirambe ndichiona uye nokundirapa. Kusvika parizvino ndinoona kuti idzi ndidzo nyasha dzandakaitirwa.

No comments: