Thursday, October 19, 2006

VaMangwana vopomemera vanyori mhosva yokutengesa

http://www.thezimbabwean.co.uk
Tel/Fax: 02380 879675
General: 07714736382
P O Box 248, Hythe, SO45 4WX, United Kingdom


HARARE - Vakambomiririra gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaPaul Mangwana vanoti zita rehurumende riri kusvibiswa nevatapi mukati menyika nekunze vasina gwara uye vanopiwa twumari nemasangano erubatsiro.
Vachitaura, pamusangano wakaendwa nevatapi vashoma vaibva kumakambani emapepanhau akazvimirira wakaitirwa mukirabhu yevatapi venhau - Quill Club, VaMangwana vakati vatapi venhau vainyanya kuda kunyora zvakaipa nezveZimbabwe.
Vakavayambira kuti kunyora kwavo kwaikanganisa magariro munyika.
"Vatapi venhau vanofurirwa nemakambani emapepanhanu anowana mari kubva kunze kwenyika vachida kuti nyika irambe iri muhapwa menyika dzekumavirira.
Ivo vatapi vakavaudzawo kuti hapana munyori angaenda kunonyora nyaya yemanyepo akasawanikwa aine mhosva, nyanyenyanye nemitemo mitsva yakaiswa nehurumende yokuti anonyora zvemanyepo mumapepanhau anosungwa.
Chokwadi ndechekuti hurumende inozvisheedzera kunyorwa zvakaipa nokuda kwayo kutyora kodzero dzevanhu nekodzero dzavo dzokuva nezvinhu kana mabhizimusi.
Asi VaMangwana vakaramba vachiti: "Hurumende yakagadza Media and Information Commission yaona kuti kuburitswa kwemashoko, seimwe nzira yekubatsira hutongi, hakwaifanirwa kungosiiwa vanhu vachiita zvavanoda.
Sachigaro weCommission yacho, vaTafataona Mahoso, vakabvunzwa kuti vakavharireyi mamwe mapepanhau vakashaya zvokutaura ndokubva vatiza vachibuda mumusangano wacho.


MaZimba Azara kuMozambique nenhamo.

(Desperate Zims flood Mozambique)

MUTARE - Mapepanhau ekuMozambique akaburitsa kuti mhomho dzevanhu vekuZimbabwe dzave kuenda kuMozambique kunotenga mafuta edzimotokari nezvimwe zviri kushaikwa.
MuZimbabwe muri kushaikwa zvinhu uye upfumi hauchina kumira zvakanaka, zvichisanganisira kushaikwa kwemari yekunze.
"Tave kuona maZimba akawanda achiuya kuzotenga mafuta edzimotokari nezvimwewo zviwanikwa nokuda kwekuipa kwaita zvhinhu munyika," vakadaro gavhuna veManica province kuMozambique, VaSoares Nhaca.
Vakati kunyanya kutenga kuri kuita maZimba kwava kutokonzera kushaikwa kwemafuta muManica, asi idambudziko raigadzirika haro.


(Violence corruption mar run-up to elections)

Kurohwa nehuwori zvokanganisa sarudzo


KADOMA - Zvinonzi vanhu vakawanda vekunze vari kunyoreswa kuti vazovhota musarudzo yameya weKadoma, asi mutemo uchiti vagari vemo chete ndivo vanofanirwa kuvhota.
Zvakawonekwa kuti veZanu (PF) vari pasi peKadoma Rural District Council vari kunyoresa kuzovhota musarudzo yemusi waOctober 28.
Meya weZanu (PF) aripo iko zvino, VaFani Phiri, vari kukwikwidzana naVaJonas Ndenda veMovement for Democratioc Change inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai. VaNdenda vaimboshandira minisiparati yeKadoma.
Mumwe ane ruzivo akati vagari vemuKadoma vari kunzi vanyorese kuzopiwa mapurazi munzvimbo dzakatenderedza guta.
Uye kurohwa nekusungwa kwevanhu vanotevera bato rinopikisa reMDC kwakatotanga.– SW Radio Africa

(Govt loses millions as tobacco bartered for fuel)

Hurumende yorasikirwa, fodya ichitengwa nemafuta edzimotokari

HARARE - Hurumende iri kurasikirwa nemari yekunze yakawanda nokuda kwokuti varimi vefodya vave kunotenga mafuta edzimotokari kuSouth Africa vachishandisa fodya yavo iyo yaiwanzotengwa nemari yekunze, hurumende yowana mari yekunze.
Gurukota rehupfumi, VaHerbert Murerwa, vakati hapana zvakadaro zviri kuzobvumirwa kuitika: “Fodya yose inotengwa nevatengi vari mu"A class" rinobhadharwa nemadhora ekuUnited States. Vasina madhora ekuUS vanobatsirwa kutenga neMemorandum of Deposit yavakaisirwa. Vakati gore rino hakuna zvekutengesa fodya murimi achipiwa zvimwe zvinhu.
Vaitaura kuvatengesi vefodya svondo rakapera..
Hurumende yakambobvumira kuti varimi vatengese vachiwana mafuta gore rakapera, asi izvi zvakaonekwa zvichishaisa hurumende mari nokuti hazvaizobuda pachena kuti kutengeserana kwacho kwakafamba sei.
VaJohn Chiweshe, veTobacco Merchants Association, vakati nhengo dzavo dzakange dzisingaiti zvekutengesa vachipiwa mafuta, asi vamwe vazivi vaiti mashefu emuhurumende ndiwo akange achiita izvi.

Children starving, warns UN

(Vana vofa nenzara)

HARARE - Vana vari kufa uye vamwe vachatofa vakawanda kana pakashaikwa rubatsiro nekukurumidza, sangano renyika dzepasi rose rinoona nezvevana (UNICEF) rakataura.
Sangano iri rakaona kuti vana vane makore ari pasi pematanhatu vazhinji vano vanorwara nekushaya chikafu kunyanya mumaguta.
“Vana vari kufa, uye tikasasimudzira mabasa edu avo vasina utano hwakanaka vachatangawo kufa, " vakadaro VaGerry Dyer, mutungamiri wehofisi yeUNICEF iri kuJohannesburg inoona zvekuchamhembe kweAfrica. .
Ongororo yavo yakabata vana 50,000 uye ndiyo ongoro hurasa yati yamboitwa yerudzi urwu, asi haina kutaura kuti vana vakatofa vangani.
Zimbabwe ndiyo yaisimbobatsira dzimwe nyika nechikafu, asi kusanaya zvakanaka kwemvura nekutorerwa minda kwevachena uko kwakaita kuti minda mikuru irare zvayo kana kuti irimwe padikidiki seminda yemumaruzevha, ndiro dambudziko.
Vebato rinopikisa nevemasangano ekodzero vanoti hurumende yavaMugabe iri kushandisa chikafu mukutsvaga mavhoti asi ivo vanhu zviuru vakatarisana nenjodzi yakaomesesa yenzara.


(WOZA in nation-wide talks with villagers)

WOZA yopinda mumaruwa


BULAWAYO - Women of Zimbabwe Arise (WOZA) yakapinda muManicaland svondo rakapera kuti inzwe kubva kuvanhu kuti vangade Zimbabwe yakaita sei, zvavanowana imomo zvozopiwa kudare reParamende kuti hurumende izive kutonga kunoda vanhu.

Vanhu paChimanimani vakati vaida hupenyu hwavaiva nahwo kumakore ekuma1980, kwete iko zvino.

“Iko zvino tiri kutadza kuita zvinhu zvataisatombofunga kuti tingatadza kuma1980, kana tisati tatombowana rusununguko, sekushaya chikafu. Iko zvino hupenyu hwedu hwangove hwekutsvagiridza chikafu kuti vana vadye," vakadaro vamwe amai.

Vakati mutemo wokuti mwana anonzi akura kana ave nemakore 18 hausisina basa nokuti vachangoramba vachiriritira kusvika vana vacho vava kutosvitsa makore makumi matatu nokuda kwekushaya mabasa.
Chembere nenherera hapana chadzichawana, idzo mari dzechikoro dzichingokwira pamwe chete nemari dzekunorapwa.

Huori ndechimwe chinhu chikuru chanetsa. “Huori hunogona kubviswa chete kana hwaita zvekudzipurwa padzinde rinova ndiyo hurumende. Vatungamiri vanofanirwa kuteerera zvido zvevanhu, kwete kungovaona pasarudzo chete. Iwo madzishewo apinzwawo muhuori nokuti vave kupiwa mari vachifamba nedzimotokari dzakanaka.

“Huori hwapindiridza zvokuti vanhu votobhadharwa kuita basa ravo ravanga vagara vachibhadharwa, kana mapurisa chaiwo!" akadaro mumwe mugari wekuChimanimani achichema-chemawo zvekare nekusatsarukana kwekupiwa dzimba kwakaitwa vanhu mushure mekunge dzimba dzavo dzaparadzwa paMurambatsvina.
“Kwatopera gore kubva patakapazirwa misika yedu, asi takangomirira zvatakavimbiswa nehurumende kuvakirwa mimwe. Dzimba dzatakavimbiswa dzeOperation Garikai dzakatopihwa vanadzo kare kana mawovheti nevamwe vanozivikanwa neZanu ( PF),” akadaro mumwe mugari.

KwaShinja WOZA yakavawana vanhu vainyatsotaura zvaishamisa kuti vanhu vanoti vagari vekumaruwa havatsoropodzi hurumende, kana kuti vose vanotevera Zanu (PF) kana kuti havaoni. Vaitochemera kodzero yavo yefundo nezvekodzero dzavo uye kuti vasagara vachitongwa nekutyisidzirwa.

Vaitiwo madzishe avo haachina basa sezvo vakachekwa muswe neZanu(pf) uye ivo havachagoni kuriritira vana vavo. Vamwe vaiti dai varimi vemapurazi makuru vadzoka kuti vanhu vawane mabasa. - WOZA

No comments: